

Vana vanodikanwa, ndini Amai venyu vaneshungu uye ndinobva Kudenga kuzokudanai kuti mutendeuke. Vanhu vari kurwara uye vanoda kuporeswa. Tarirai, nguva dzasvika dzekudzoka kukuru kuna Jehovha. Maari chete ndimo mune kusunungurwa kwako kwechokwadi neruponeso. Gwadamai mabvi enyu muchinyengetera. Uri kurarama munguva yehondo huru yemweya. Ndipei maoko enyu ndikutungamirirei kuMwanakomana wangu Jesu. Uchange uchine makore akawanda emiedzo yakaoma. Tsvaga Ishe kuburikidza nesakaramende yekureurura uye Eucharist, nekuti nenzira iyi chete unogona kukunda dhiabhorosi. Zarurai mwoyo yenyu mugamuchire Vhangeri raJesu wangu. Mashoko ake anoshandura hupenyu hwako uye uchave mukuru mukutenda. Pamberi pasina kutya! Iri ndiro shoko randinokupai nhasi muzita reUtatu Hutsvene-tsvene. Ndinokutendai nekundibvumira kuti ndikuunganidzei pano zvakare. Ndinokuropafadzai muzita raBaba, Mwanakomana nereMweya Mutsvene. Ameni.
Vana vanodikanwa, gamuchirai kudana kwaShe kuhutsvene. Usarase pfuma yawakasiirwa naJesu wangu kubudikidza neChechi yake. Tsvakai Jehovha, nokuti anokudai uye ari pedyo nemi. Uri kurarama munguva yerima guru remweya uye ini ndabva Kudenga kuti ndikutungamirire kuMwanakomana wangu Jesu. Ndiye chiedza chinovhenekera nekutsvenesa. Zarura mwoyo wako kwaAri uye uchave mukuru mukutenda. Tendeuka uye ushumire Jehovha norudo uye nokutendeka. Namatira Chechi yaJesu wangu. Uri kunanga kune ramangwana rekuvhiringika nekukamukana. Teerera. Chipi kana chipi chingaitika, ramba wakasimba uye uri kudivi revarwi vakashinga vakapfeka makasikisi [vapristi] vanoda uye vanodzivirira chokwadi. Iva munyoro uye uzvininipise pamwoyo, nekuti chete nenzira iyi unogona kunzwa kuvapo kweMwanakomana wangu Jesu muhupenyu hwako. Pamberi pakudzivirira chokwadi! Iri ndiro shoko randinokupai nhasi muzita reUtatu Hutsvene-tsvene. Ndinokutendai nekundibvumira kuti ndikuunganidzei pano zvakare. Ndinokuropafadzai muzita raBaba, Mwanakomana nereMweya Mutsvene. Ameni.
Posted in Messages, Pedro Regis.